Kereke yeKutanga nevaapostora havana kumbobvira vachengeta Munamato weSvondo kana Kisimusi. Mwari akanyora muBhaibheri nzira yekuti vanhu vagamuchire kuregererwa kwezvivi uye vagopinda muumambo hwekudenga. Akasimbisa asimbisazve, kuti: “Musatongowedzera chinhu chipi zvacho kana kutapudza chinhu chipi zvacho kubva mumashoko eBhaibheri.”
Mazuva ano, Kereke dziri munyika dzinongotenda muna Mwari Baba uye hadzitendi muna Mwari Mai, asi ndiMwari Mai vanopa “upenyu husingaperi,” uhwo Mwari akavimbisa kuvana Vake.
Mwari akapupura pamusoro paMwari Mai kubudikidza nezvisikwa zvipenyu zvose zvakasikwa maererano nekuda kwaMwari kusanganisira varume nevakadzi, uye kubudikidza ne "mitochondria" yakawanikwa nemasaindisti.
Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri.
Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.
Zvakazarurwa 22:18–19
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy