Vatendi veZioni vanorumbidzwa nekuda kwekubudirira kwavo kwekugonesesa muzvidzidzo zvavo, mabasa ekuzvipira, neupenyu hwekutenda, asi chinonyanya kukosha pakati pavo ndiko kutenda kwavo muna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai, Zvakavanzika zveumambo hwekudenga.
Mazana emakore mushure mokunge Mambo Dhavhidhi afa, muprofita Ezekieri akaprofita kuti Mwari achauya saDhavhidhi nesungano itsva mumazuva okupedzisira. Kristu Ahnsahnghong, uyo akauya saDhavhidhi wepamweya, akadzoreredza sungano itsva yePasika yakanga yaputswa muna AD 325, uye akatizivisa kuti tinokwanisa kungoponeswa kana tauya kuna Mwari Mai, vanova chokwadi chesungano itsva.
“Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi. Ndichaita sungano yorugare navo; ichava sungano isingaperi. . . . uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.”
Ezekieri 37:25–27
“Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. . . . “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”
Jeremia 31:31–33
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy