Mwari akauya panyika pano kuzoratidza vanhu nzira yekuenda kudenga uye nzira yekuregererwa kwezvivi. Zvisineyi, vanhu vazhinji havana kuziva Jesu akauya panyama asi vakatomutambudza, vachimuti murevi wenhema, vachiti, “Munhuwo zvake ungazviti Mwari seiko? uye pakupedzisira vakamuroverera pamuchinjikwa. Saizvozvowo, nhasi, havatendi muna Kristu Ahnsahnghong, uyo akauya zvakare kuitira ruponeso rwevanhu.
Kuti tirege kufanana neavo vakaroverera Jesu pamuchinjikwa uye vakafuratira ruponeso makore 2,000 apfuura, tinofanira kuchengeta mitambo yesungano itsva muZioni, imba yaMwari uyo akavimbisa kuuya mumazuva okupedzisira, uye nokugamuchira Mwari Ahnsahnghong naMwari Mai vakauya panyika ino panyama.
“Ini naBaba tiri vamwe.” VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake, . . . Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”
Johani 10:30–33
[S]aizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.
VaHebheru 9:28
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy