Mufudzi anokosha kupfuura mambo kune gwai rakarasika, uye mugwenga mvura inokosha kupfuura goridhe. Kukosha kwemirayiro yaMwari kuchaziviswa apo vanhu vachamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari. Izvi zvinodaro nekuti denga negehena zvinotarirwa vanhu maererano nokuti munhu akachengeta mirayiro yaMwari here kana kuti kwete.
Sezvo umambo hwekudenga iri nzvimbo isingakwanisi kupindwa nevatadzi, zvakafanira kuti vagamuchire kuregererwa kwezvivi zvavo. Mwari akavimbisa kuregererwa kwezvivi muropa rinokosha raKristu kubudikidza nePasika yesungano itsva. Naizvozvo, kufanana naDhavhidhi, vanhu vanofanira kuva nokutenda muchipikirwa chaMwari uye voda mirayiro yake.
“Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, . . .”
Mapisarema 119:127
“ ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ” Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwavakanga vaitwa naJesu vakandogadzira Pasika. . . . “Inwai mose. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.”
Mateo 26:18–28
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy