Vabereki Vekudenga, Baba Ahnsahnghong naMwari Mai, vanoshuvira kuti vana vavo vave nezvikwaniriso zvekuva vaprista veumambo hwekudenga.
Ndosaka vachida kuti vana vavo vazive kukosha kweumambo hwekudenga kunyange zvazvo vachigona kusangana nekusuwa, kurwadziwa, nekutambudzika pasi pano.
Mumwe nemumwe ane zvaasina simba mazviri kunyange zvazvo vachikwanisa kunge vasingazivi izvi zvizere. Mwari anonatsa zvatisina simba mazviri munharaunda dzakasiyana siyana kuitira kuti atipe maropafadzo pakupedzisira. Nokudaro, zvakakosha kuteerera shoko raMwari uyo anotitungamirira kuumambo hwekudenga husingaperi.
Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera. Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
VaHebheru 4:11–12
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy