Muupenyu hwedu hwose, tose tinotarisana nezvimiro zvakaoma zvakasiyana-siyana. Munguva dzekutambudzika dzakadai, madzibaba ekutenda munguva yaBaba akadana kuna Mwari Jehovha uye akaponeswa, vatsvene munguva yaMwanakomana vakadana zita raJesu Kristu uye vakaponeswa, uye munguva yaMweya Mutsvene, tinofanira kudana kuna Kristu Ahnsahnghong uye Mwari Mai kuti tiponeswe.
Mwari akati avo vanoziva zita rake ndivo vanhu vake vechokwadi, uye akatirayira kubhabhatidza, kunova nhanho yekutanga yeruponeso, muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene. Nhasi, Kereke yaMwari Nzanga YeVhangeri RePasi Rose chete ndiyo inobhabhatidza vanhu muzita raMweya Mutsvene Kristu Ahnsahnghong, rine vimbiso yeruponeso nekuregererwa kwezvivi.
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “. . . Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu; naizvozvo pazuva iro vachaziva kuti ndini ndakazvitaura. Hongu, ndini iye.”
Isaya 52:4–6
“Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu . . . . Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, . . . uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva.”
Zvakazarurwa 3:12
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy