Mwari, Muponesi wevanhu, akatipa maropafadzo ekuregererwa kwezvivi neumambo hwekudenga husingaperi kubudikidza nePasika uye akazivisa zvine simba kuti avo vanochengeta Pasika vachabvumwa sevanhu vaMwari avo vachagamuchira ugari hwekudenga uye vowana ruponeso.
Jesu akauya makore 2,000 apfuura uye Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai munguva ino vakaramba vachitidzidzisa kuti kudana kuna Mwari nemiromo yedu chete tisingachengeti Pasika zvinosvika pakutenda kusina kujeka.
Uyewo, chikonzero chakaita kuti Mwari ape Pasika Yechipiri kune avo vakanga vasingakwanisi kuichengeta panguva yakatarwa ndechokuti Pasika mutambo unokosha zvikuru unosiyanisa vanhu vaMwari vechokwadi.
“Ita kuti vaIsraeri vapemberere Pasika panguva yakatarwa. . . . Asi vamwe vavo havana kupemberera Pasika nomusi iwoyo nokuti vakanga vasina kuchena nokuda kwechitunha. . . . Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, . . . naivowo vangapemberera Pasika yaJehovha. Vanofanira kuipemberera nezuva regumi namana romwedzi wechipiri panguva dzorubvunzavaeni. . . . Asi kana munhu . . . akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu . . .’ ”
Numeri 9:2–13
“Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo. “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.”
Mateo 7:20–21
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy