Kristu Ahnsahnghong akati kana tikasaisa chokwadi muzviito, mweya yedu inova yakasviba uye torasikirwa nekunzwisisa uye pakupedzisira, tinorasikirwa nekutenda uye toramba Mwari.
Sezvo tichirarama pasi pano, nyika ine madhaimenisheni matatu, uye tisingakwanisi kuva nemuono panyika yekudenga ine madhaimenisheni mana nemashanu, tinofanira kutenda mushoko raMwari uyo anotiropafadza nguva dzose uye totevera dzidziso dzake.
Madzibaba ekutenda akaita saMozisi, Dhavhidhi, Gidheoni, naJoshua akaropafadzwa kubudikidza nekuteerera shoko raMwari kunyange muzvimiro zvairatidzika kuva zvisingabviri mundangariro yavanhu. Tichitarisa nhoroondo yavo, vatendi veKereke yaMwari vanotenda muna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai, Vaponesi munguva yaMweya Mutsvene, uye vakateerera shoko ravo. Nokuda kwaizvozvo, basa rinoshamisa revhangeri riri kuitika pasi rose.
Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.
Mapisarema 121:1–2
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy