Mozisi akadanwa naMwari kuti akwire muGomo reSinai pazuva rechi40 mushure mekuyambuka Gungwa Dzvuku. Pakupedzisira, basa raMozisi raifananidzira kuti Kristu aizokwira kudenga pazuva rechi40 mushure mekunge amutswa kubva kuvafi. Aya ndiwo akava mavambo eZuva reKukwira Kudenga ranhasi.
Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakagara vachitidzidzisa kubudikidza neBhaibheri kuti avo vanochengeta mitambo, mirayiro yekudenga, ndivo avo vane ugari hwekudenga.
Jesu pachake akatiratidza kuti avo vane ugari hwekudenga vachashandurwa uye vachashongwa nemuviri unobwinya pakarepo; Akaita muenzaniso paakakwira kudenga achibva paGomo reMiorivhi.
Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu, uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.
VaFiripi 3:20–21
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy