Kubudikidza nomufananidzo watakapiwa naJesu, tinosvika pakunzwisisa kuti Abhurahama anomirira Mwari Baba, uye kuti Sara, uyo akaita basa rinokosha mukusarudza vadyi venhaka vemhuri yaAbhurahama, ndiMai vedu, avo vakasununguka uye vanomiririrwa nesungano itsva.
Avo vasingatendi muna Mwari zvachose saEriezeri, uyo vabereki vake vaiva varanda, kana avo vanongotenda muna Mwari Baba, saIshumaeri, havangagoni kuva vadyi venhaka vaMwari.
SaIsaka, avo vanogamuchira Mwari Baba (Kristu Ahnsahnghong) naMwari Mai, vanova vakasununguka, uye voiswa chisimbiso se, “Vana vangu,” kubudikidza nenyama neropa raMwari, vanogona kuve vadyi venhaka yeumambo hwekudenga.
“Mupfumi akafawo akavigwa. Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake. Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni . . .”
Ruka 16:22–24
Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa. Zvinhu izvi zvinofananidzira, . . . hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.
VaGaratia 4:23–31
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy