Mwari akatsinhidzira kakawanda kuna Joshua kuti ashinge kwazvo apo akasvika muKenani, uye akarayira Jona kuti aparidze shoko raMwari noushingi muguta guru renyika yevavengi. Saizvozvowo, tinodawo ushingi pakuparidza vhangeri resungano itsva kupasi rose.
Nokutenda kuti vhangeri raMwari richasandura rima kuva chiedza kwese kwarinoparidzwa, vatendi veKereke yaMwari, avo vachadya nhaka yeKenani yepamweya, vanoita basa raJoshua. Sezvakaita Jona, vanoparidza ruponeso rwaKristu Ahnsahnghong naMwari Mai kune pasi rose neushingi.
“Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndivape senhaka yavo. Simba ushinge kwazvo. Chenjerera kuti uteerere mirayiro yose yawakapiwa naMozisi muranda wangu; usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwaunoenda.”
Joshua 1:6–7
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy