Avo vasingateereri havagoni kupinda muumambo hwekudenga, inova nyika yeKenani, sezvinoonekwa munhoroondo yeTestamende Yakare.
Kubudikidza nenhoroondo iyi, tinogona kuona kuti Mambo Zedhekia aiteerera pakutanga asi gare gare akatendeukira kukusateerera, uye kuti Mambo Sauro aiteerera dzimwe nguva uye aisateerera dzimwe nguva, navanhu vasina kuteerera kubva pakutanga. Vanhu ava havagoni kuponeswa, asi avo vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda nokuteerera vachaponeswa.
Kristu Ahnsahnghong, uyo akauya seGwayana, akasimbisa kubudikidza neBhaibheri kuti vaya vanoteerera shoko raMwari vachaenda kudenga. Akasiya dzidziso dzake kuvanhu, achiti, “Pamunoteerera zvizere dzidziso dzaMwari Mai, zvinhu zvakawanda zvakanaka zvamanga musingatarisiri zvichaitika.”
Chenjerai kuti mutevere murayiro wose wandiri kukupai nhasi, kuti murarame uye muwande uye mugopinda mugotora nyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha. . . . kuti akuninipise uye akuedze kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana waizochengeta mirayiro yake kana kwete.
Dhuteronomi 8:1–2
Uye ndivanaani vakapikirwa naMwari kuti vaisazopinda muzororo rake kunze kwevaya vasina kuteerera? Saka tinoona kuti vakanga vasingagoni kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.
VaHebheru 3:18–19
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy