Sezvo umambo hwavo hwakawedzera kusimba, madzimambo akaita saRehobhoamu, Sauro, Uzia, Ahazi, naZedhekia vakazvikudza uye vakazvitutumadza.
Pakupedzisira, vakatadzira Mwari uye vakaparadzwa.
Kune rimwe divi, Jotamu, Dhavhidhi, Dhanieri, neshamwari
dzake nhatu vaiva vakatendeka kuna Mwari
nguva dzose uye vakaropafadzwa naMwari.
Ichi chidzidzo chakakosha chinoratidza gwara rekutenda
iro vatendi veKereke yaMwari vanofanira kutevera mazuvano.
Vanofanira kuva vakatendeka kuna Mwari nguva dzose,
kwete nokutenda kunozununguka zvichienderana
nenharaunda nemamiriro ezvinhu.
Zvakare, vanofanira kutenda mukubatsira kwaKristu Ahnsahnghong
naMwari Mai uye voita basa revhangeri maererano neshoko raMwari.
Ipapo, Mwari achaita kuti Zioni rive nesimba, ribudirire,
uye rive rakatsaukana pamusoro penyika yose soumambo hwaDhavhidhi.
Sauro akafa nokuti akanga asina kutendeka kuna Jehovha,
haana kuchengeta shoko raJehovha uyezve akandobvunzira
kumasvikiro kuti atungamirirwe.Haana kubvunza kuna Jehovha.
Saka Jehovha akamuuraya
akapa umambo kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.
1 Makoronike 10:13–14
Jotamu akava nesimba kwazvo nokuti aifamba
akatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
2 Makoronike 27:6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy