Pfuma, kukudzwa nesimba renyika ino hazvigari kwenguva refu, asi hazvina zvazvinobatsira kana tatarisana nerufu. Saka Kristu Ahnsahnghong akatiudza kuti tigadzirire nyika yemweya uko kune mufaro usingaperi. Imhaka yekuti upenyu hwedu chaihwo hausi nyama yedu asi mweya wedu (Johani 6:63). Upenyu husina ruzivo nezvenyika isingaperi hahuna zvahunoreva. Upenyu hwedu hupfupi panyika ino inguva yekugadzirira nyika isingaperi. Chii chatinofanira kuita kuti tiende kunyika yemweya isingaperi? Nyika yemweya isingaperi isina kurwadziwa kana rufu, (Zvakazarurwa 21:4) muviri unoora haugone kupinda, asi iye chete ane upenyu husingaperi ndiye anogona kupinda. (1 VaKorinde 15:50) Saka, tingawana sei upenyu husingaperi? Kana tikadya nyama yaJesu uye tikanwa ropa rake tinogona kuwana upenyu husingaperi. (Johani 6:54) Jesu akavimbisa kuti Chingwa chePasika ne Waini ndizvo nyama neropa rake. (Mateo 26:26) Saka avo vanowana upenyu husingaperi kuburikidza nePasika vanogona kupinda munyika yemweya, kwavachafamba vakasununguka muyunivhesi. Ngatitarirei nyika yemweya isingaperi, pane kutambisa upenyu hwedu, tichingotarisa nyika yezvinhu, uye totora chikamu muchipikirwa chitsvene cheupenyu husingaperi [Pasika]. Kereke yaMwari iyo Kristu Ahnsahnghong, uyo Jesu akauya kechipiri, akavamba ndiyo yega kereke inotevera Sungano Itsva yePasika.
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy