Vatsvene veKereke yeKutanga vakanyengetera nemwoyo wose kwemazuva gumi kubva paZuva roKukwira kudenga kusvika paZuva rePendekosti. PaPendekosti, vakagamuchira Mweya Mutsvene uyo wakaita kuti vave nekutenda kune ushingi uye kuparadzira vhangeri nekukasira. MuNguva yeMweya Mutsvene, Mwari anotipa zvipo zveMweya Mutsvene paPendekosti, une simba rakapetwa kanomwe kupfuura iro remakore 2,000 apfuura.
Mushure mekugamuchira Mweya Mutsvene, Kereke yeKutanga yakapupura kuti, “Jesu ndiye Kristu.” Nenzira imwecheteyo, ikozvino vatendi veKereke yaMwari, vakagamuchira Mweya Mutsvene wemvura yekupedzisira kubudikidza nekuchengeta Pendekosti, vanoparidza Vaponesi vedu Kristu Ahnsahnghong naMai Vekudenga neushingi pasi rose.
“Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.”
Mabasa 2:1–4
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy