Mazuvano, vanhu vazhinji pasi rose
vanonamata Mwari neSvondo.
Asi zuva iro Mwari anoropafadza
nekutiraira kuti tirangarire
nekurichengeta riri dzvene izuva
reSabata (Mugovera).
Umambo hwekudenga haisi nzvimbo
iyo vanhu vanogona kuenda nekungotenda
muna Mwari nekuenda kukereke chete. Avo
chete vanochengeta zuva reSabata rinova
chiratidzo icho Mwari akapa kuvanhu
vake ndivo vanogona kuenda kuumambo
hwekudenga.
Sezvakangoita vakundi
vakakurumbira, vezvematongerwe
enyika, uye vanhu vakapfuma vakafa,
vanhu vose vanofa uye vanorarama
nokusingaperi kudenga kana kuti
kugehena. Kana tangoziva izvi,
tinofanira kutevera nzira inoenda
kuumambo hwekudenga iyo Kristu
Ahnsahnghong naMwari Mai
vakatidzidzisa, inova, zuva
reSabata muBhaibheri.
Rangarira zuva reSabata kuti
urichengete riri dzvene. Uchashanda
mazuva matanhatu nokuita basa rako
rose, asi zuva rechinomwe iSabata
kuna Jehovha Mwari wako. . . . Naizvozvo
Jehovha akaropafadza zuva reSabata
akariita dzvene.
Ekisodho 20:8–11
“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe,
Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga,
asi uyo chete anoita kuda kwaBaba
vangu vari kudenga.”
Mateo 7:21
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy