Kuti titevere nzira yaKristu zvakafanira, tinofanira kutakura muchinjikwa wedu. Jesu, anova Mwari, akatakura mutoro womuchinjikwa kuti vanhu vaponeswe, uye madzibaba ekutenda akaita saMozisi naapostora Pauro vakatakura muchinjikwa wavo wekutambudzika nomufaro. Nenzira imwecheteyo, nesuwo tinofanira kutakura muchinjikwa wedu uye kufamba munzira yekutambudzika kuti tiponeswe.
Sezvakangoita apostora Pauro airangarira kutambura kwose semakomborero, achitevera nzira yomuchinjikwa waKristu, vatendi veKereke yaMwari vanotakura muchinjikwa wavo nomufaro chero nguva uye vanotevera nzira yaMwari nokutenda kwakasimba, vasingakanganwi kuvonga kuna Mwari.
Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu. Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.” Mateo 5:10–12
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy