Avo vakatora shoko raMwari sejee uye vakarega kutiza vakaparadzwa apo Mwari akatonga nyika namafashamu mumazuva aNoa uye nomoto mumazuva eSodhomu neGomora.
Saizvozvowo, vanhu vasina kutenda shoko raJesu rekuti, “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, munofanira kutiza,” asi vakakurirwa nepfungwa yokukunda vakaparadzwa vose pakurwisa kwechipiri kwehondo yeRoma.
Nyika inotora kutonga kwekupedzisira kwaMwari nomoto sejee. Zvisinei, Mwari akamirira vanhu nokuti anoda kuti vanhu vose vaponeswe kuitira kuti pasava nomumwe achaparadzwa. Nokudaro, vatendi veKereke yaMwari vanopupura nesimba kune pasi rose nhau dzeruponeso maererano nokuda kwaMwari.
[M]umazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? . . . Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.
2 Petro 3:3–13
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy