Shoko rega rega raMwari rakanyorwa muBhaibheri rinozadzikiswa pasina kukundikana. Bhaibheri rakapupura pamusoro paJesu akauya makore 2,000 apfuura, uye rinopupura pamusoro pebasa reruponeso richaitwa munguva YeMweya Mutsvene naKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, avo vakauya saMweya NeMwenga.
Bhaibheri rinoprofita kuti vanhu vachaponeswa—vaya vane kutenda kwekukunda munyika ino inotongwa naSatani—ndivo vana vemukadzi vakanga vasara, vanochengeta mirairo yaMwari. Rinopupurawo kuti ivo, saIsaka, vachagamuchira nhaka yeumambo hwekudenga kuburikidza naMai.
Munoshingaira kunzvera magwaro nekuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu... Johani 5:39
Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake. Ipapo shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanobatirira pauchapupu hwaJesu. Zvakazarurwa 12:9, 17
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy