Mashoko ekuti, “Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana,” chiyeuchidzo chaMwari chekuti zvakakosha kuti tisanonotse mukana wedu wekuropafadzwa kusvika mangwana asina chivimbo. Pane kudaro, tinofanira kugovana rudo rwedu nemadzikoma nehanzvadzi dzedu nhasi, kunamata nhasi, kutendeuka pane zvatakatadza nhasi, uye kuparidza mashoko eruponeso nhasi.
Kuburikidza nenhoroondo yemuyunaki weKandase, mambokadzi wevaEtiopia, akabhabhatidzwa paakangonzwisisa chokwadi ari munzira, uye muchengeti wetorongo nemhuri yake, vakabhabhatidzwa pakati pehusiku vasina kumirira mambakwedza, Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakatidzidzisa kuti tinogona kuponesa nyika chete nekuparidza vhangeri resungano itsva—mashoko eruponeso—panguva chaiyo yatinozviziva.
Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana, nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva. Zvirevo 27:1
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy