Mwari akadzikinura Mozisi nevaIsraeri kubva muIjipiti kubudikidza nesimba rePasika. VaIsraeri vakanga vasina kuchengeta Pasika kwemakore 38, asi vakachengeta Pasika vava kuda kutopinda munyika yeKenani. Kubudikidza nePasika yesungano itsva, Jesu pachake akauya ndokupa upenyu husingaperi kuvanhu. Kubudikidza neizvi, tinogona kuona kuti Pasika murayiro unokosha uyo vanhu vose vanofanira kudzidza kubva kumadzibaba avo.
Mazuva ano, Kristu Ahnsahnghong akatidzidzisa zvakare Pasika yesungano itsva, yakanga isati yachengetwa kwemakore 1,260, uye mukutungamirirwa naMwari Mai, vatendi veKereke yaMwari vari pasi rose vari kuichengeta iri tsvene. Izvi zvinodaro nekuti maropafadzo anoshamisa ekuva vana vaMwari ari muPasika.
“Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose, kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo. Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira. “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo.”
Jobho 8:5–8
[V]adzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?”. . . Jesu akatora chingwa, . . “Torai mudye; uyu ndiwo muviri wangu.” . . . “Inwai mose. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.”
Mateo 26:17–28
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy