Munguva yaMozisi, Mwari akaponesa vaIsraeri vakachengeta Pasika kubva padenda uye akaranga mhuri dzose dzevaIjipita dzakanga dzisina kuchengeta Pasika. Izvi zvinotiratidza kuti tinokwanisa kuponeswa sei kubva munjodzi uye kuti tinogamuchira upenyu husingaperi sei munguva ino, zvakare.
Zuva rePasika yeSungano Itsva ndiro zuva iro vanhu vanogamuchira nyama neropa raMwari uye vanhu vanoiswa chisimbiso sevana vaMwari, uye ndiro zuva ravanoregererwa zvivi zvavo zvavakaita kudenga uye vogamuchira upenyu husingaperi.
Ndokusaka Mwari achipa mumwe mukana umwechete wekuchengeta Pasika pazuva regumi namana romwedzi wechipiri maererano nekarenda dzvene, achidisa kwazvo kuti pasi rose richengete Pasika uye rogamuchira ruponeso.
“Taurira vaIsraeri kuti: ‘. . . naivowo vangapemberera Pasika yaJehovha. Vanofanira kuipemberera nezuva regumi namana romwedzi wechipiri panguva dzorubvunzavaeni. Vanofanira kudya gwayana, pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nomuriwo unovava. . . . akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake nokuti haana kuvigira Jehovha chipiriso panguva yakatarwa. Munhu uyo achatakura zvivi zvake.’ ”
Numeri 9:10–13
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy