Jesu pachake akaratidza muenzaniso wekuponesa vanhu kubva muchivi kuburikidza nekuparidza. Akatipa basa rekuva vashandi vesungano itsva, achiti, “Ponesai nyika.” Saka, hatifaniri kuita saEsau, uyo akaita zvaaida chete, asi tinofanira kuita saJakobho, akatanga kuita zvaaifanira kuita. Ndipo chete patinogona kugamuchira maropafadzo anopiwa naMwari.
Mugumisiro weavo vanoita zvavanofanira kuita uchienzaniswa nevasingaite ndiwo musiyano uripo pakati peumambo hwekudenga negehena. Sekunge basa rinoshamisa reMweya Mutsvene raigara riripo nevaapostora vairarama upenyu hwekuparidza saJesu, basa redu ikozvino nderekuzivisa ruponeso rwaKristu Ahnsahnghong naMwari Mai.
Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu. 2 VaKorinde 3:6
Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.” Mark 1:38
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy