Bhaibheri rinorondedzera nguva ino nenzira youprofita senguva yematambudziko makuru. Sezvo hondo dziri kuitika pakati pemarudzi uye njodzi dzakawanda dzemamiriro okunze dziri kuitika, vanhu vari kuronga kutizira muchadenga, pasi pegungwa, kana kuti pasi pevhu. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti hakuna utiziro hworuponeso kunze kweZioni, uko kunogara Mwari Mai.
Kufanana neapo Mwari akazivisa nekududzira hope dzaMambo Nebhukadhinezari kuna Dhanieri, nhasi azivisa kuti utiziro hwakachengetedzeka panguva yenjodzi ndiMwari Mai. Kufanana nevana vanonzwa kuchengetedzeka zvikuru mumaoko amai vavo munguva dzenjodzi, Mwari akazivisa kuti Mwari Mai inzvimbo yakachengetedzeka zvikuru kuvanhu vari munjodzi.
“Ndichatsvaira zvose kubva pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka; ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa. Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete, kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. . . .
Zefania 1:2–3
Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’ uye ipapo otanga kurova vamwe varanda uye nokudya nokunwa nezvidhakwa. Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi. Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.
Mateo 24:48–51
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy