VaIsraeri vakagamuchira mahwendefa echipiri eMirayiro Gumi mushure mekunge vatendeuka pakunamata zvifananidzo, uye Mwari akatumidza zuva iroro kuti Zuva Rokuyananisira nekuti vakagamuchira yananisiro kubva kuna Mwari.
Mutambo weHwamanda pazuva rekutanga remwedzi wechinomwe maererano nekarenda dzvene ndiwo mutambo pairidzwa hwamanda yekutendeuka kuratidza kuti vanhu vese vanofanira kutendeuka kuna Mwari nekuti mazuva gumi anotevera iZuva Rokuyananisira.
Sekuridza hwamanda yekutendeuka kwakaita vaIsraeri mazuva gumi Zuva Rokuyananisa risati rasvika munguva yaMozisi, tinofanira zvino kuridza hwamanda kuti tidaidze nyika yose kuti iuye kuna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai kuti vaponeswe uye kuti vawane kutendeuka kuzere kubudikidza nekubhabhatidzwa nemitambo yesungano itsva.
“Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe munofanira kuva nezuva rokuzorora, ungano tsvene inocherechedzwa nokuridza hwamanda.’ ”
Revhitiko 23:24
Jesu akavapindura akati, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.”
Ruka 5:31–32
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy