Kana tikatyora zvipikirwa zvaMwari tobva pautsvene nekunamata Mwari, tinotongwa. Seri kwekutonga kwaMwari panyika—munguva yaNoa, muSodhoma neGomora, uye munguva ino yekupedzisira—pane chinhu chakafanana: vanhu vakasiya Mwari ndokuva vapanduki, vakaipa, uye vakaita upombwe.
Nhasi, kufanana naNoa, tinofanira kuva nekutenda kwakasimba muzvinhu zvisati zvaonekwa. Kereke YaMwari inoparidza Pasika yesungano itsva, iyo ine vimbiso yaMwari yekuponesa nyika kubva munjodzi, ichitenda chiprofita cheBhaibheri chekuti Mwari achatonga nyika yakaipa nemoto.
Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa. Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. 2 Petro 3:6–7
“ndiyo Pasika yaJehovha….” “Ropa richava chiratidzo kwamuri mudzimba dzamunogara; uye ndikaona ropa, ndichapfuura pamuri. Hapana hosha inoparadza ichakubatai pandicharova Ijipiti. Ekisodho 12:11–13
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy