Kufanana naAdhamu naEvha vakatadza nekuti vakakanganwa murayiro waMwari wekuti, “Haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa,” pose patinokanganwa murayiroo waMwari, tinoita chivi uye tinogamuchira matambudziko. Kunyange munguva ino, Mwari anotaura kuti dambudziko rekupedzisira ichauya nokuti nyika yakanganwa murayiro waMwari—zuva reSabata nePasika zvesungano itsva, uye haizvichengeti.
Vanhu, mweya [ngirozi] yakatadza kudenga ikakandirwa pasi pano. Vanokwanisa kudzokera kudenga kana vakateerera shoko raMwari vachiri vapenyu pasi pano chete. Kufanana naMambo Hezekia akagamuchira maropafadzo kubudikidza nekuchengeta murayiro [Pasika] maererano neshoko raMwari, Kereke yaMwari inoteerera kuda kwaMwari kubudikidza nekuchengeta murayiro waMwari-sungano itsva.
Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako uchirega kuchengeta zvaakarayira, mirayiro yake nemitemo yake yandinokupai nhasi.
Dhuteronomi 8:11
“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, . . . tikaita zvishamiso?’ . . . ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’
Mateo 7:21–23
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy