Sezvo Jesu akauya semunhu, akadya chikafu chevanhu, uye akararama sevanhu, vanhu vasingaverengeki vakatadza kumuziva saMwari uye vakamuramba. Ndosaka Bhaibheri richitidzidzisa kuti mweya mumwe nemumwe unopupura kuti Jesu akauya panyama unobva kuna Mwari, uye mweya wose usingapupuri izvi ndiwo mweya waAndikristu.
Munguva YeMweya Mutsvene, Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakauya kuzoponesa vanhu. Kuti vanhu vagamuchire ropafadzo yeruponeso kubva kuna Mwari, vanofanira kutanga vasiya zvavaifunga votenda chiprofita cheBhaibheri, icho chinoti Mwari achauya kechipiri ari panyama.
Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nemurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu... 1 Timoti 2:4–5
Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, ... 1 Johani 4:2–3
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy