Avo vanotenda muna Mwari vanofanira kuchengeta Mutambo waMatumba zvichienderana nedzidziso dzaMwari.
Izvi zvinodaro nekuti Mwari akataura achishandisa muprofita Zekaria kuti aizopa Mweya Mutsvene kune avo vanochengeta Mutambo waMatumba uye aizounza chirango kune avo vasingauchengeti.
Pakuuya kwake kwekutanga, Jesu akapa Mweya Mutsvene; pakuuya kwake kwechipiri, Mweya NeMwenga vanopa Mweya Mutsvene paMutambo Wamatumba.
Zviprofita zveBhaibheri zvinoti, “Mweya NeMwenga vanopa mvura yeupenyu,” “Mvura mhenyu ichayerera ichibva muJerusarema,” uye “Rwizi rwemvura yeupenyu runoyerera ruchibva pachigaro chaMwari” zvinofanotaura kuti Jerusarema Mai Vekudenga vachapa Mweya Mutsvene nedzidziso dzinotungamira kuupenyu.
Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,...
Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti,...
Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”
Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari....
Johani 7:2–39Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi.Zvakazarurwa 22:17
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy