Nechishuwo chakadzama chekuti vanhu vese vararame, Mwari akasimbisa chipikirwa chikuru chePasika. Usiku hwakatangira kufa kwake pamuchinjikwa, akatisiyira kuda kwake kwekupedzisira, achiti, “Munofanira kuchengeta Pasika.”
Pasika, iyo Mwari pachake akatirayira kuti tiichengete, haigone kuparadzwa nesimba revanhu. Sezvakaita vaIsraeri, avo vakatsungirira kwenguva refu muuranda muIjipita, vakasunungurwa kuburikidza nePasika, chokwadi chePasika ndiyo nzira yega yekusunungurwa kwevanhu vese, avo vakasungwa nengetani dzerufu.
Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika. Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Ruka 22:7–15
Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anoupenyu husingaperi uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.”. Johani 6:53–54
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy