Sezvo Mwari akashandisa tsvimbo yomufudzi kupatsanura Gungwa Dzvuku uye kuita kuti zvitubu zvemvura zviyerere padombo, chinhu chipi zvacho chiri muruoko rwaMwari chinogara chine simba guru.
Nhasi, Kereke yaMwari, iyo yakagamuchira basa rekuparidza evhangeri muSamaria uye kusvika kumigumo yenyika, iri kuita evhangeri yepasi rose nesimba raMwari, kwete nekuedza kumunhu pachake.
SaSamusoni akakunda vaFiristia chiuru norushaya rwembongoro, mukomana wechidiki Dhavhidhi akarwa nehofori Goriati, uye saPetro, Johane, naJakobho vaiva vabati vehove, munguva ino, avo vanotenda muna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai uye tariro youmambo hwokudenga vari kugadzira nhoroondo huru.
Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havasi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo. Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba. . . . kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake. 1 VaKorinte 1:26–29
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy