Munguva ino, Kristu Ahnsahnghong akauya panyika ino sezvakaprofitwa, akasimbisa Kereke YaMwari, uye akazivisa Mai Vekudenga Jerusarema, achiti, “Ndinotevera Mai.” Sezvakaprofitwa, kubwinya kwaMai Vekudenga Jerusarema kwave chiedza chetariro munyika ino ine rima.
Nhengo padzakapenyesa chiedza cheJerusarema, dzichitenda kuti iri ndiro vhangeri rinotungamirwa naMwari, vanhu vemitauro netsika dzakasiyana-siyana vanobva kumativi ose enyika vari kukurumidza kudzokera kuZioni. Kune vana Vake vakatenda Zviprofita uye vakapenyesa kubwinya kwaMai Vekudenga Jerusarema, Mwari anozadzisa vimbiso Yake: “Vachagara nhaka nokusingaperi—hongu, nokusingaperi-peri.”
Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako. Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako. Isaya 60:2–3
Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’ Dhanieri 7:18
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy