Kungofanana naSirasi, mambo wePersia, akawana chiprofita nezvake muBhaibheri uye akabatwa mwoyo zvekuti akasunungura vaIsraeri kubva muutapwa ndokuvaka temberi muJerusarema, saizvozvowo tinofanira kutenda zviprofita zvakanyorwa muBhaibheri. Tizere nemufaro wakakura wakafanana naSirasi, tinofanira kuparidza vhangeri ratakarayirwa naMwari nemwoyo yedu yese nemweya yedu yese.
Sekudzidzisa kwakaita Jesu kuburikidza neMufananidzo weMamina Gumi, akavimbisa ramangwana rinobwinya kune avo vanotya shoko raMwari: vachatonga naMwari nokusingaperi-peri, vachinakidzwa nekubwinya kusingaperi muumambo hwekudenga—nzvimbo iyo pasingachazovi nerufu kana kuungudza kana kuchema kana kurwadziwa.
Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. . . .Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Zvakazarurwa 21:1–4
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy