Kubudirira kana kukundikana kwebasa revhangeri kunoenderana nekuti kutenda kwedu muna Mwari kwakasimba zvakadii. Sezvakaratidzwa naMwari muhondo dzemumazuva aGidheoni naJoshua, avo vane kutenda kunozununguswa nemamiriro ezvinhu vanobviswa mumauto aMwari, uye vane kutenda kwakasimba muna Mwari ndivo chete vanoshandiswa pakunyora nhoroondo yekukunda.
Mwari akatungamira nguva yega yega nenzira isingafungidzirwi nemunhu. Kunyangwe munguva YeMweya Mutsvene, patinotenda zvizere mashoko aKristu Ahnsahnghong naMwari Mai ekuti, “Ponesai nyika,” tichazadzisa basa remauto ekudenga, iro rinova rekupedzisa vhangeri yeumambo.
Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu. Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, nokuti anoda kufadza mukuru wake wehondo. 2 Timoti 2:3–4
Ipapo Jesu akasvika pavari akati, “Simba rose kudenga napanyika rakapiwa kwandiri. Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika.” Mateo 28:18–20
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy