Kana vana vaMwari vava munyu nechiedza chenyika maererano nedzidziso dzaMwari, vachiratidza kubwinya kwaMwari kuburikidza nemabasa avo akanaka, uye vachitungamirira vanhu kuna Mwari nechokwadi chesungano itsva, Mwari achafara uye achavapa maropafadzo anopfachukira pazuva ravachamira pamberi pake.
Kana takagamuchira Kristu Ahnsahnghong naJerusarema Mai Vekudenga munguva YeMweya Mutsvene, kubva zvino zvichienda mberi, tinofanira kurasa tsika dzakaipa dzatakadzidza kubva munyika topfeka hunhu hutsva semaKristu. Sezvo nyika ino iri kuramba ichirasikirwa nekunamata kwayo uye ichiva yakaipa neyakaoma musoro, tinofanira kuziva kuti zuva rekutonga kwaMwari rava pedyo, sezvakanga zvakaita mumazuva aNoa naRoti, uye torarama hupenyu hwekunamata Mwari zvakanyanya.
Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya. Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana. vaRoma 12:1–2
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy